Proverbs 10

Zvirevo zvaSoromoni

1Zvirevo zvaSoromoni:

Mwanakomana akachenjera anofadza baba vake,
asi mwanakomana benzi anosuwisa mai vake.

2Pfuma yakawanikwa zvakaipa haibatsiri chinhu,
asi kururama kunorwira parufu.

3Jehovha haatenderi akarurama kuti anzwe nzara,
asi kupanga kwowakaipa anokusundira kure.

4Maoko ane usimbe anoita kuti munhu ave murombo,
asi maoko anoshingaira anopfumisa.

5Anounganidza zvirimwa muzhizha, mwanakomana akachenjera,
asi anorara munguva yokukohwa, mwanakomana anonyadzisa.

6Maropafadzo ndiwo korona yomusoro woakarurama,
asi kuita nechisimba kuzere mumuromo womunhu akaipa.

7Kuyeukwa kwowakarurama kuchava chikomborero,
asi zita rowakaipa richaora.

8Akachenjera pamwoyo anogamuchira mirayiro,
asi benzi rinotaura zvisina maturo richaparara.

9Munhu akarurama anofamba akachengetedzeka,
asi uyo anofamba nenzira dzakaminama achabatwa.

10Uyo anochonya neziso roruvengo anouyisa kusuwa,
asi benzi rinotaura zvisina maturo richaparara.

11Muromo womunhu akarurama chitubu choupenyu,
asi kuita nechisimba kuzere mumuromo womunhu akaipa.

12Ruvengo runomutsa kupesana,
asi rudo runofukidzira zvakaipa zvose.

13Uchenjeri hunowanikwa pamiromo yavane njere,
asi shamhu yakafanira musana wouyo asina njere.

14Vanhu vakachenjera vanochengeta zivo,
asi muromo webenzi unotsvaka kuparara.

15Upfumi hwavakapfuma ndiro guta ravo rina masvingo,
asi urombo ndiko kuparadzwa kwavarombo.

16Mubayiro wavakarurama ndihwo upenyu,
asi zvinowanikwa nowakaipa ndiko kurangwa.

17Uyo anoteerera kurayira anoratidza nzira youpenyu,
asi ani naani anozvidza kudzorwa anotsausa vamwe.

18Uyo anovanza ruvengo rwake ane miromo inoreva nhema,
uye ani naani anoparadzira guhwa ibenzi.

19Kana mashoko ari mazhinji, chivi hachingashayikwi,
asi uyo anodzora rurimi rwake akachenjera.

20Rurimi rwakarurama isirivha yakaisvonaka,
asi mwoyo wowakaipa haubatsiri chinhu.

21Miromo yemunhu akarurama inosimbisa vazhinji,
asi mapenzi anofa nokuda kwokushayiwa zivo.

22Kuropafadza kwaJehovha kunowanisa upfumi,
uye haawedzeri matambudziko kwahuri.

23Benzi rinofadzwa nokuita zvakaipa,
asi munhu anonzwisisa anofarira uchenjeri.

24Zvinotyiwa nowakaipa ndizvo zvichaitika kwaari;
zvinoshuviwa nowakarurama zvichapiwa kwaari.

25Kana dutu rapfuura napo, vakaipa havazowanikwi,
asi vakarurama vachamira vakasimba nokusingaperi.

26Sevhiniga kumazino noutsi kumaziso,
ndizvo zvakaita simbe kuna avo vachamutuma.

27Kutya Jehovha kunowedzera mazuva kuupenyu,
asi makore owakaipa achatapudzwa.

28Tarisiro yowakarurama mufaro,
asi tariro dzowakaipa dzichaparadzwa.

29Nzira yaJehovha ndiyo utiziro hwavakarurama,
asi ndiko kuparadzwa kwaavo vanoita zvakaipa.

30Akarurama haangatongodzurwi,
asi vakaipa havangarambi vari munyika.

31Muromo womunhu akarurama unobudisa uchenjeri,
asi rurimi rwakaipa ruchabviswa.

32Miromo yomunhu akarurama inoziva zvakafanira,
asi muromo womunhu akaipa, zvakaipa chete.
Copyright information for SnaBDSC